1 Makoronike 19:9-19 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

9. VaAmoni vakabudawo vakagadzirira kurwa uye vakamira vari mumitsetse yokurwa pasuo reguta ravo, uye madzimambo akanga auya akanga ari pachawo musango.

10. Joabhu akaona kuti kwaiva nemitsetse yavanhu vakagadzirira kurwa mberi kwake neshure kwake; saka akasarudza mamwe wamapoka avarwi vapamusoro muIsraeri akavaendesa kuti vandorwa navaAramu.

11. Akaisa vamwe varume vose pasi paAbhishai munun'una wake uye vakaendeswa kuti vandorwa navaAmoni.

12. Joabhu akati, “Kana vaAramu vandikundaka, ipapo iwe unofanira kuzondinunura; asi kana vaAmoni vakakukunda, ipapo ini ndichakununura.

13. Simba uye ngatirwirei vanhu vedu namaguta aMwari wedu takashinga. Jehovha achaita zvakanaka pamberi pake.”

14. Ipapo Joabhu navarwi vaiva naye vakaenda kundorwa navaAramu, ivo vakatiza pamberi pavo.

15. VaAmoni pavakaona kuti vaAramu vakanga vava kutiza, ivo vakatizawo pamberi pomunun'una wake Abhishai vakamhanyira mukati meguta. Ipapo Joabhu akadzokera kuJerusarema.

16. Mushure mokunge vaAramu vaona kuti vakanga vakundwa neIsraeri vakatumira nhume kundokokorodza vamwe vaAramu mberi kweRwizi, Shofaki mutungamiri wehondo yaHadhadhezeri achivatungamirira.

17. Dhavhidhi paakaudzwa izvi, akaunganidza Israeri yose ndokuyambuka Jorodhani; akaswedera kwavari kundovarwisa uye akaronga mitsetse yehondo akatarisana navo. Dhavhidhi akaita kuti mitsetse yake isangane navaAramu muhondo uye ivo vakarwa naye.

18. Asi vakatiza pamberi paIsraeri, uye Dhavhidhi akauraya zviuru zvinomwe zvavachairi vengoro, nezviuru makumi mana zvavarwi vetsoka. Akaurayawo Shofaki mutungamiri wehondo yavo.

19. Varanda vaHadhadhezeri pavakaona kuti vakanga vakundwa neIsraeri, vakayanana naDhavhidhi uye vakava pasi pake.Saka vaAramu havana kuzoda kubatsira vaAmoni zvakare.

1 Makoronike 19