1 Madzimambo 20:40-43 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

40. Muranda wenyu paakanga ari mubishi rokuita basa pano nekoko, murume uya akanyangarika.”Mambo weIsraeri akati, “Iwoyo ndiwo mutongo wako. Ndiwe wautaura woga.”

41. Ipapo muprofita akakurumidza kubvisa mucheka pamaziso ake, mambo weIsraeri akabva amuziva kuti aiva mumwe wavaprofita.

42. Akati kuna mambo, “Zvanzi naJehovha, ‘Wakasunungura munhu wandakanga ndati anofanira kufa. Naizvozvo upenyu hwako huchatsiva hwake, vanhu vako vachatsiva vanhu vake.’ ”

43. Mambo weIsraeri akaenda kumuzinda wake muSamaria aora mwoyo uye ashatirwa.

1 Madzimambo 20