1 Madzimambo 11:9-25 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

9. Jehovha akatsamwira Soromoni nokuti mwoyo wake wakanga watsauka kubva kuna Jehovha, Mwari waIsraeri, uyo akanga azviratidza kwaari kaviri.

10. Kunyange akanga adzivisa Soromoni kutevera vamwe vamwari, Soromoni haana kuchengeta murayiro waJehovha.

11. Saka Jehovha akati kuna Soromoni, “Sezvo aya ari iwo mafungiro ako uye usina kuchengeta sungano yangu nemitemo yangu yandakakurayira, zvirokwazvo ndichabvarura umambo uhu ndichihubvisa kwauri ndigohupa kuno mumwe wavaranda vako.

12. Zvisinei, nokuda kwaDhavhidhi baba vako, handisi kuzozviita uchiri mupenyu. Ndichahubvisa kubva muruoko rwomwanakomana wako.

13. Zvakadaro hazvo, handizobvisi umambo hwose, kubva kwaari, asi ndichamupa rudzi rumwe chete nokuda kwaDhavhidhi muranda wangu uye nokuda kweJerusarema, randakasarudza.”

14. Ipapo Jehovha akamutsa Hadhadhi muEdhomu, weimba youmambo yeEdhomu kuti arwise Soromoni.

15. Dhavhidhi panguva yaakanga achirwa neEdhomu, Joabhu, mutungamiri wehondo, uyo akanga aenda kundoviga vakanga vafa, akauraya varume vose muEdhomu.

16. Joabhu navaIsraeri vose vakagarako kwemwedzi mitanhatu, kusvikira vauraya varume vose muEdhomu.

17. Asi Hadhadhi, uyo akanga achiri mukomana, akatizira kuIjipiti namamwe machinda echiEdhomu aimboshandira baba vake.

18. Vakasimuka vachibva kuMidhiani vakaenda kuParani. Ipapo vakatora vamwe varume vokuParani vakaenda pamwe chete kuIjipiti, kuna mambo Faro weIjipiti, uyo akapa Hadhadhi imba nomunda, akamupawo zvokudya.

19. Faro akafadzwa naHadhadhi zvokuti akamupa muramu wake, munun'una wavahosi vake Tapenesi, kuti ave mukadzi wake.

20. Munun'una waTapenesi uyu akamuberekera mwanakomana anonzi Genubhati, akakurira mumuzinda wamambo. Imomo, Genubhati akagara pamwe chete navana vaFaro.

21. Ari muIjipiti, Hadhadhi akanzwa kuti Dhavhidhi akanga azorora namadzibaba ake uye kuti Joabhu mutungamiri wehondo akanga afawo. Ipapo Hadhadhi akati kuna Faro, “Chindiregai ndiende hangu, ndidzokere kunyika yangu.”

22. Faro akamubvunza akati, “Washayeiko kuno zvowoda kudzokera kunyika yako?”Hadhadhi akapindura akati, “Hapana, asi regai ndiende zvangu!”

23. Mwari akamutsira Soromoni mumwe muvengi, Rezoni, mwanakomana waEriadha, akanga atiza kubva kuna tenzi wake Hadhadhezeri mambo weZobha.

24. Akazviunganidzira varume akabva ava mutungamiri wechikwata chavapanduki panguva yakaparadzwa mauto okuZobha naDhavhidhi; vapanduki ava vakaenda kuDhamasiko, kwavakagara uye vakatonga.

25. Rezoni akava muvengi weIsraeri kwoupenyu hwaSoromoni hwose, akapamhidzira padambudziko raikonzerwa naHadhadhi. Rezoni akatonga muAramu uye akanga achivenga Israeri.

1 Madzimambo 11