Zvakazarurwa 21:5-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

5. Akanga agere pachigaro choushe akati, “Ndiri kuita kuti zvinhu zvose zvive zvitsva! Nyora izvi, nokuti mashoko aya akatendeka uye ndeechokwadi.”

6. Akati kwandiri, “Zvaitwa. Ndini Arifa naOmega, wokutanga nowokupedzisira. Kuna iye ane nyota ndichamupa kuti anwe, asingaripi, kubva mutsime remvura youpenyu.

7. Anokunda achapiwa nhaka iyi yose, uye ndichava Mwari wake uye iye achava mwanakomana wangu.

Zvakazarurwa 21