Zvakazarurwa 13:9-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

9. Ane nzeve, ngaanzwe.

10. Kana munhu achifanira kupinda muutapwa,muutapwa achapinda hake.Kana munhu achifanira kuurayiwa nomunondo,nomunondo achaurayiwa hake.Apa ndipo panodikanwa kutsungirira nokutendeka kwavatsvene.

11. Ipapo ndakaona chimwe chikara, chichibva munyika. Chakanga chine nyanga mbiri segwayana, asi chaitaura seshato.

12. Chakashandisa simba rose rechikara chokutanga pachinzvimbo chacho, uye chakaita kuti nyika navageremo vanamate chikara chokutanga, chiya chakanga chapora vanga racho raifanira kuchiuraya.

Zvakazarurwa 13