Zekaria 4:4-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

4. Ndakabvunza mutumwa aitaura ndichiti, “Izvi zviiko, ishe wangu?”

5. Akapindura akati, “Hauzivi kuti izvi zvii?” Ini ndakapindura ndichiti, “Kwete, ishe wangu.”

6. Saka akati kwandiri, “Iri ndiro shoko raJehovha kuna Zerubhabheri: ‘Hazviitwi nehondo kana nesimba, asi nomweya wangu,’ ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose.

7. “Uri chiiko, iwe gomo guru? Pamberi paZerubhabheri uchaitwa bani. Ipapo iye achabudisa ibwe rokumusoro vanhu vachidanidzira vachiti, ‘Mwari ngaariropfadze! Mwari ngaariropafadze!’ ”

8. Ipapo shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,

9. “Maoko aZerubhabheri akateya nheyo dzetemberi ino; maoko ake achaipedzisazve. Ipapo uchaziva kuti Jehovha Wamasimba Ose akandituma kwauri.

10. “Ndiani anoshora zuva rezvinhu zviduku? Vanhu vachafara pavachaona rwodzi rwokuyera muruoko rwaZerubhabheri. “(Zvinomwe izvi ndizvo maziso aJehovha, anoona nyika yose.)”

Zekaria 4