Vatongi 4:1-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Shure kwokufa kwaEhudhi, vaIsraeri vakaitazve zvakaipa pamberi paJehovha.

2. Saka Jehovha akavatengesa mumaoko aJabhani, mambo weKenani, aitonga ari muHazori. Mukuru wehondo yake akanga ari Sisera, uyo aigara muHarosheti Hagoyimi.

3. Nokuda kwokuti akanga ane ngoro dzesimbi mazana mapfumbamwe uye akadzvinyirira vaIsraeri zvakaipisisa kwazvo, vakachemera rubatsiro kuna Jehovha.

4. Dhibhora, muprofitakadzi, mukadzi waRapidhoti, akanga achitungamirira vaIsraeri panguva iyoyo.

Vatongi 4