Vatongi 18:3-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

3. Vakati vava pedyo nemba yaMika, vakaziva inzwi rejaya muRevhi; saka vakatsaukiramo vakamubvunza vachiti, “Ndianiko akakuuyisa kuno? Unobatei pano? Seiko uri pano?”

4. Akavataurira zvaakanga aitirwa naMika, uye akati, “Akandipa basa uye ndiri muprista wake.”

5. Ipapo vakati kwaari, “Tapota, tibvunzire Mwari kuti tizive kana rwendo rwedu ruchabudirira.”

6. Muprista akavapindura akati, “Endai henyu norugare. Rwendo rwenyu rwatendwa naJehovha.”

7. Saka varume vashanyi vaya vakabvapo vakandosvika kuRaishi, uko kwavakandoona kuti vanhu vakanga vagere zvakanaka, sezvakaita vaSidhoni, vasina chavanofungidzira uye vagere zvakanaka. Uye sezvo nyika yavo yakanga isingashayiwi chinhu, vakanga vakabudirira. Uyezve, vakanga vagere kure nava Sidhoni uye vakanga vasina ushamwari naani zvake.

8. Vakati vadzokera kuZora neEshitaori, hama dzavo dzakavabvunza dzikati, “Makazviona sei zvinhu imi?”

9. Vakapindura vakati, “Uyai, tivarwise! Takaona kuti nyika yacho yakanaka kwazvo. Hamungaiti chimwe chinhu here? Musanonoka kuendako kundoitora.

10. Pamunosvikako muchawana mumaoko enyu naMwari, nyika isina kana chainoshayiwa.”

11. Ipapo mazana matanhatu avarume vaibva paimba yavaDhani vakapakata zvombo kuti vandorwa, vakasimuka vachibva kuZora neEshitaori.

12. Vari munzira yavo vakadzika misasa pedyo neKiriati Jearimi muJudha. Ndokusaka nzvimbo iri kumavirira eKiriati Jearimi ichinzi Mahane Dhani kusvikira zuva ranhasi.

13. Kubva ipapo vakaenda kunyika yezvikomo yaEfuremu uye vakasvika kumba kwaMika.

14. Ipapo varume vashanu vakanga vandoshora nyika yeRaishi vakati kuhama dzavo, “Munoziva here kuti imwe yedzimba idzi ine efodhi, vamwe vamwari, chifananidzo chakavezwa nechifananidzo chakaumbwa? Zvino imi munoziva zvokuita.”

15. Saka vakatsaukiramo vakaenda kumba kwejaya muRevhi kumba kwaMika vakandomukwazisa.

Vatongi 18