Varoma 15:1-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Isu tine simba tinofanira kutakura kukundikana kwavasina simba uye tisingazvifadzi.

2. Mumwe nomumwe wedu anofanira kufadza muvakidzani wake pane zvakanaka, zvinomuvaka.

3. Nokuti kunyange Kristu haana kuzvifadza asi, sezvazvakanyorwa zvichinzi, “Kutuka kwaavo vakakutuka kwakawira pamusoro pangu.”

4. Nokuti zvose zvakanyorwa kare zvakanyorerwa kuti zvidzidzise isu, kuitira kuti, kubudikidza nokutsungirira nokukurudzira kwamagwaro, tive netariro.

5. Mwari anopa kutsungirira nokukurudzira ngaakupei mweya wokuva nomwoyo mumwe pakati penyu pamunenge muchitevera Kristu Jesu,

6. kuti mukudze Mwari naBaba waIshe wedu Jesu Kristu nomwoyo mumwe uye nomuromo mumwe.

7. Naizvozvo, gamuchiranai, sezvamaka-gamuchirwa naKristu, kuti Mwari arumbidzwe.

8. Nokuti ndinoti kwamuri Kristu akava muranda wavaJudha akamirira zvokwadi yaMwari, kuti asimbise zvakapikirwa madzibaba

9. kuti vaHedheni vakudze Mwari nokuda kwengoni dzake, sezvazvakanyorwa zvichinzi:“Naizvozvo ndichakurumbidzai pakati pavaHedheni;ndichaimbira zita renyu nziyo.”

Varoma 15