17. Vamwe vaiparidza Kristu nomwoyo woruchiva, vasina kutendeka, vachifungidzira kuti vangandimutsira dambudziko ndichiri mungetani.
18. Asi zvisinei hazvo, chinhu chinokosha ndechokuti munzira dzose, dzingava ndangariro dzenhema kana dzechokwadi, Kristu ari kuparidzwa hake. Uye nokuda kwaizvozvi ndinofara.Hongu, uye ndicharamba ndichifara,
19. nokuti ndinoziva kuti kubudikidza neminyengetero yenyu uye norubatsiro runopiwa noMweya waJesu Kristu, zvakaitika kwandiri zvichashanduka zvikava kusunungurwa kwangu.
20. Ndinoshuva zvikuru nokutarira kuti handingazonyadziswi, asi ndichava nokushinga kwakakwana kuitira kuti zvino senguva dzose Kristu achakudzwa mumuviri wangu, hungava upenyu kana rufu.
21. Nokuti kwandiri, kurarama ndiKristu uye kufa kupfuma.
22. Kana ndikaramba ndichirarama mumuviri, izvi zvichareva kubata kune zvibereko kwandiri. Asi ndichasarudzeiko? Handizivi!
23. Ndiri pakati pezvinhu zviviri izvi: Ndinoda kuenda kuti ndive naKristu, zvinova ndizvo zviri nani nokupfuuridza;
24. asi zvinokosha zvikuru kwamuri kuti ndigare mumuviri uyu.
25. Ndichitenda chinhu ichi, ndinoziva kuti ndichagara, uye ndicharamba ndinemi mose kuti mupfuurire mberi uye mufare mukutenda,
26. kuitira kuti ndichinge ndinemi zvakare, mufaro wenyu muna Kristu Jesu ugozadziswa nokuda kwangu.