1. Zvichakadaro, Bhoazi akakwira akaenda pasuo reguta akandogarapo. Hama yapedyo mudzikinuri uya waaireva akati asvika, Bhoazi akati kwaari, “Douya napano, shamwari yangu, ugogara pasi.” Naizvozvo akaenda akandogara pasi.
2. Bhoazi akatora vakuru veguta gumi akati kwavari, “Garai pano apa,” ivo vakaita saizvozvo.
3. Ipapo akati kuhama yapedyo, mudzikinuri, “Naomi uya akadzoka kumusha kubva kuMoabhu, ari kutengesa munda waiva waErimereki hama yedu.
4. Ndafunga kuti ndiise nyaya kwauri nokukupa zano rokuti utenge pamberi paavo vagere pano uye napamberi pavakuru vavanhu vangu. Kana uchida kuudzikinura, ita hako izvozvo. Asi kana usingadi, ndiudze, kuti ndigoziva. Nokuti hapana mumwe ane mvumo yokuzviita kunze kwako, uye ini ndini ndinokutevera.”Iye akati, “Ndichautenga.”
5. Ipapo Bhoazi akati, “Pazuva raunotenga munda uyu kubva kuna Naomi naRute muMoabhu, unotorawo chirikadzi yomushakabvu, kuitira kuti mumutse zita romufi nenhaka yake.”