28. Simeoni akamubata mumaoko ake akarumbidza Mwari achiti:
29. “Ishe Tenzi, sezvamakavimbisa,zvino chiendesai henyu muranda wenyu norugare.
30. Nokuti meso angu aona ruponeso rwenyu,
31. rwamakagadzirira pamberi pavanhu vose,
32. chiedza chinovhenekera vaHedheniuye nokukudzwa kwavanhu venyu Israeri.”
33. Baba namai vomwana vakashamiswa nezvakataurwa pamusoro pake.
34. Ipapo Simeoni akavaropafadza akati kuna Maria, mai vake, “Mwana uyu achaita kuti kuve nokuwa nokumutswa kwavazhinji muIsraeri, uye achava chiratidzo chicharambwa,
35. kuitira kuti ndangariro dzemwoyo mizhinji dzigoratidzwa. Uye munondo uchabayawo mwoyo wako pachako.”
36. Kwaivawo nomuprofitakadzi, Ana, mwanasikana waFanueri, worudzi rwaAsheri. Akanga akwegura kwazvo; akanga ambogara makore manomwe nomurume wake shure kwokuwanikwa kwake,
37. ipapo akazova chirikadzi kusvikira ava namakore makumi masere namana. Haana kumbobva mutemberi asi akanamata usiku namasikati, achitsanya nokunyengetera.