Numeri 29:23-40 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

23. “ ‘Pazuva rechina, mugadzire hando gumi, makondohwe uye makwayana gumi namana egore rimwe chete, zvose zvisina kuremara.

24. Pamwe chete nehando, namakondohwe, namakwayana, mugadzire zvipiriso zvazvo nezvipiriso zvokunwa maererano nouwandu hwakarayirwa.

25. Muisewo nhongo yembudzi imwe chete sechipiriso chechivi, muchipamhidzira kuchipiriso chinopiswa chamazuva ose nechipiriso chacho chezviyo, uye nechipiriso chokunwa.

26. “ ‘Pazuva rechishanu, mugadzire hando pfumbamwe, makondohwe maviri uye namakwayana makono gumi namana egore rimwe chete, zvose zvisina kuremara.

27. Pamwe chete nehando, makondohwe namakwayana, mugadzire zvipiriso zvazvo zvezviyo nezvipiriso zvokunwa maererano nouwandu hwakarayirwa.

28. Muisewo nhongo yembudzi imwe chete sechipiriso chechivi muchipamhidzira kuchipiriso chinopiswa chamazuva ose nechipiriso chacho chezviyo uye nechipiriso chokunwa.

29. “ ‘Pazuva rechitanhatu, mugadzire hando sere, makondohwe maviri uye makwayana makono egore rimwe chete, gumi namana, zvose zvisina kuremara.

30. Pamwe chete nehando, namakondohwe uye namakwayana mugadzire zvipiriso zvazvo zvezviyo nezvipiriso zvokunwa maererano nouwandu hwakarayirwa.

31. Muisewo nhongo yembudzi imwe chete sechipiriso chechivi, muchipamhidzira kuchipiriso chinopiswa chamazuva ose pamwe chete nechipiriso chacho chezviyo uye nechipiriso chokunwa.

32. “ ‘Pazuva rechinomwe, mugadzire hando nomwe, makondohwe maviri uye makwayana makono gumi namana egore rimwe chete, zvose zvisina kuremara.

33. Pamwe chete nehando, makondohwe namakwayana mugadzire zvipiriso zvazvo zvezviyo nezvipiriso zvokunwa maererano nouwandu hwakarayirwa.

34. Muisewo nhongo yembudzi imwe chete sechipiriso chechivi, muchipamhidzira kuchipiriso chinopiswa chamazuva ose pamwe chete nechipiriso chacho chezviyo uye chipiriso chokunwa.

35. “ ‘Pazuva rorusere, unganai uye murege kuita basa ramazuva ose.

36. Mupe chibayiro chinopiswa nomoto chive chinonhuwira zvinofadza kuna Jehovha, chibayiro chinopiswa chehando imwe chete, gondohwe rimwe chete namakwayana makono manomwe egore rimwe chete, zvose zvisina kuremara.

37. Mugadzire hando, gondohwe namakwayana, zvipiriso zvezviyo nezvipiriso zvinonwiwa, maererano nouwandu hwakarayirwa.

38. Muisewo nhongo imwe chete yembudzi sechipiriso chechivi, muchipamhidzira kuchipiriso chinopiswa chamazuva ose pamwe chete nechipiriso chacho chezviyo uye nechipiriso chokunwa.

39. “ ‘Kupamhidzira pamusoro pezvamakapika uye zvipo zvokungopa, mugadzirire Jehovha izvi pamitambo yenyu yakatarwa: zvipiriso zvenyu zvinopiswa, zvipiriso zvezviyo, zvipiriso zvokunwa uye nezvipiriso zvokuwadzana.’ ”

40. Mozisi akataurira vaIsraeri zvose zvaakarayirwa naJehovha.

Numeri 29