18. Nyama yazvo ichava yako, sezvakangoita chityu chechipiriso chokuninira nechidya chokurudyi zvagara zviri zvako.
19. Ndinokupa zvose zvipiriso zvitsvene zvakatsaurirwa Jehovha navaIsraeri, iwe navanakomana navanasikana vako somugove wako wenguva yose. Isungano yemunyu nokusingaperi pamberi paJehovha kwamuri mose iwe nezvizvarwa zvako.”
20. Jehovha akati kuna Aroni, “Iwe haungawani nhaka munyika mavo, uye haungavi nomugove nenhaka pakati pavaIsraeri.
21. “VaRevhi ndinovapa zvegumi zvose zvavaIsraeri senhaka yavo kutsiva basa ravanoita pavanenge vachishumira paTende Rokusangana.
22. Kubva zvino zvichienda mberi, vaIsraeri havafaniri kuswedera kuTende Rokusangana, kuti varege kuva nemhosva yezvivi zvavo vakazofa.
23. VaRevhi ndivo vanofanira kuita basa paTende Rokusangana uye vagotakura zvakaipa zvavo. Uyu mutemo uchagara uripo kusvikira kumarudzi anotevera. Ivo havangawani nhaka pakati pavaIsraeri.
24. Pachinzvimbo chaizvozvo ndinopa kuvaRevhi nhaka yezvegumi zvinopiwa kuna Jehovha navaIsraeri. Ndokusaka ndakati kwavari: ‘Havangavi nenhaka pakati pavaIsraeri.’ ”
25. Jehovha akati kuna Mozisi,
26. “Taura kuvaRevhi uti kwavari: ‘Pamunogamuchira zvegumi kubva kuvaIsraeri zvandinokupai senhaka yenyu, munofanira kupa chegumi chezvegumi sechipiriso chaJehovha.
27. Chipiriso chako chichaverengwa kwauri sechezviyo zvinobva paburiro kana muto wewaini unobva pachisviniro chewaini.
28. Nenzira iyi nemiwo munofanira kupa chipiriso kuna Jehovha kubva pazvegumi zvose zvamunogamuchira kubva kuvaIsraeri. Kubva pazvegumi izvi, munofanira kupa mugove waJehovha kuna Aroni muprista.
29. Munofanira kupa somugove waJehovha chakanakisisa uye chikamu chitsvene chezvinhu zvose zvamunenge mapiwa.’
30. “Uti kuvaRevhi: ‘Pamunouyisa chikamu chakanakisisa, chichagamuchirwa kubva kwamuri sechakabva paburiro kana pachisviniro chewaini,
31. iwe nemhuri yako mungadya henyu zvakasara zvose chero pamunenge muri, nokuti ndiwo mubayiro wenyu webasa renyu rapaTende Rokusangana.