32. uye nyika ikashamisa muromo wayo ikavamedza, nenhumbi dzavo navanhu vose vaKora nezvinhu zvavo zvose.
33. Vakaburukira muguva vari vapenyu, nezvinhu zvavo zvose; nyika ikavafukidza, vakaparara vakabva pakati peungano.
34. Pavakachema, vaIsraeri vose vakanga vakavakomba vakatiza, vachidanidzira vachiti, “Nyika ichatimedza nesuwo!”
35. Ipapo moto wakabuda uchibva kuna Jehovha ukaparadza varume mazana maviri namakumi mashanu vakanga vachipisira zvinonhuwira.
36. Jehovha akati kuna Mozisi,
37. “Taurira Ereazari mwanakomana waAroni, muprista, kuti abvise hadyana parufuse agoparadzira mazimbe kure nokuti hadyana itsvene,
38. idzo hadyana dzavarume vaye vakatadza vakaurayiwa. Pwanyai hadyana mugoita chifukidziro chearitari nadzo, nokuti dzakauyiswa pamberi paJehovha dzikava tsvene. Ngadzive chiratidzo kuvaIsraeri.”
39. Saka Ereazari muprista akaunganidza hadyana dzendarira dzakauya navaya vakanga vapiswa, akaita kuti dzipwanyiwe kuti dzigova chifukidzo chearitari,
40. sezvaakarayirwa naJehovha kubudikidza naMozisi. Ichi chaiva chirangaridzo kuvaIsraeri chokuti hakuna munhu anofanira kupisira zvinonhuwira pamberi paJehovha kunze kwechizvarwa chaAroni kuti aregere kuzofanana naKora navateveri vake.
41. Fume mangwana, ungano yose yavaIsraeri yakapopotera Mozisi naAroni. Vakati, “Imi makauraya vanhu vaJehovha.”
42. Asi ungano yakati yaungana pamwe chete ichipikisana naMozisi naAroni vakatarira kuTende Rokusangana, pakarepo gore rikaifukidza uye kubwinya kwaJehovha kukaonekwa.
43. Ipapo Mozisi naAroni vakaenda mberi kweTende Rokusangana,
44. uye Jehovha akati kuna Mozisi,
45. “Ibva paungano iyi kuti ndivaparadze iye zvino.” Ipapo vakawira pasi nezviso zvavo.
46. Zvino Mozisi akati kuna Aroni, “Tora hadyana yako ugoisa zvinonhuwira mairi pamwe chete nomoto unobva paaritari, uchimbidze kuenda kuungano undovayananisira. Hasha dzabuda dzichibva kuna Jehovha; denda ratotanga.”