25. Pakupedzisira, samapoka aichengetedza kumashure kwamapoka ose, mapoka omusasa waDhani akasimuka, ari pasi pomureza wavo. Ahiezeri mwanakomana waAmishadhai ndiye akanga achivatungamirira.
26. Pagieri mwanakomana waOkirani akanga ari mukuru weboka rorudzi rwaAsheri;
27. uye Ahira mwanakomana waEnani akanga ari mukuru weboka rorudzi rwaNafutari.
28. Aya ndiwo akanga ari mafambiro amapoka avaIsraeri pakusimuka kwavo.