Numeri 10:11-23 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

11. Pazuva ramakumi maviri romwedzi wechipiri, wegore rechipiri, gore rakasimuka kubva pamusoro petabhenakeri yeChipupuriro.

12. Ipapo vaIsraeri vakasimuka kubva murenje reSinai, vakafamba vachienda kunzvimbo nenzvimbo kusvikira gore randomira murenje reParani.

13. Nguva ino, kwokutanga, vakafamba sezvavakanga varayirwa naJehovha kubudikidza naMozisi.

14. Mapoka omusasa waJudha ndiwo akatanga kuenda, pasi pomureza wavo. Nashoni mwanakomana waAminadhabhi akanga achivatungamirira.

15. Netaneri mwanakomana waZua akanga ari mukuru weboka rorudzi rwaZebhuruni.

16. Uye Eriabhu mwanakomana waHeroni akanga ari mukuru weboka rorudzi rwaZebhuruni.

17. Ipapo tabhenakeri yakabviswa, uye vaGerishoni navaMerari, vakanga vachiitakura, vakafamba.

18. Mapoka omusasa waRubheni akatevera, vari pasi pomureza wavo. Erizuri mwanakomana waShedheuri ndiye akanga achivatungamirira.

19. Sherumieri mwanakomana waZurishadhai akanga ari mukuru weboka rorudzi rwaSimeoni,

20. uye Eriasafi mwanakomana waDheueri akanga ari mukuru weboka rorudzi rwaGadhi.

21. Ipapo vaKohati vakasimuka, vakatakura zvinhu zvitsvene. Tabhenakeri yaifanira kumiswa vasati vasvika.

22. Mapoka omusasa waEfuremu akatevera; vari pasi pomureza wavo. Erishama mwanakomana waAmihudhi akanga achivatungamirira.

23. Gamarieri mwanakomana waPedhazuri akanga ari mukuru weboka rorudzi rwaManase.

Numeri 10