5. Mijamini Moadhia, Bhiriga,
6. Shemia, Joirabhi, naJedhaya.
7. Saru, Amoki, Hirikia naJedhaya. Ava ndivo vaiva vatungamiri vavaprista pamwe chete nehama dzavo pamazuva aJeshua.
8. VaRevhi vaiti: Jeshua, Bhinui, Kadhimieri, Sherebhia, Judha, uyewo naMatania pamwe chete nehama dzake, aiva mukuru wenziyo dzokuvonga.
9. Bhakibhukia naUni, nehama dzavo, vakamira vakatarisana navo mushumiro.
10. Jeshua aiva baba vaJoyakimu, Joyakimu aiva baba vaEriashibhi, Eriashibhi ari baba vaJoyadha,
11. Joyadha baba vaJonatani, uye Jonatani baba vaJadhua.
12. Ava ndivo vaiva vakuru vedzimba dzavaprista, pamazuva aJoyakimu: wokwaSeraya, aiva Meraya; wokwaJeremia, aiva Hanania;
13. wokwaEzira, aiva Meshurami; wokwaAmaria, aiva Jehohanani;
14. wokwaMaruki, aiva Jonatani; wokwaShekania, aiva Josefa;
15. wokwaHarimu, aiva Adhina; wokwaMeremoti, aiva Herikai;
16. wokwaIdho, aiva Zakaria; wokwaGinetoni aiva Meshurami;
17. wokwaAbhina, aiva Zikiri; wokwaMiniamini, nowokwaMoadhia, aiva Piritai;
18. wokwaBhiriga aiva Shamia; wokwaShemaya, aiva Jehonatani;
19. wokwaJoyaribhi, aiva Matenai; wokwaJedhaya, aiva Uzi;
20. wokwaSaru, aiva Karai; wokwaAmoki, aiva Ebheri;
21. wokwaHirikia, aiva Hashabhia; wokwaJedhaya, aiva Netaneri.
22. Vakuru vedzimba dzavaRevhi mumazuva aEriashibhi, Joyadha, Johanani naJadhua, pamwe chete neavo vaiva vevaprista, vakanyorwa mazita avo pamazuva okutonga kwaDhariasi muPezhia.
23. Vakuru vedzimba pakati pezvizvarwa zvaRevhi kusvikira panguva yaJohanani mwanakomana waEriashibhi vakanyorwa mumabhuku enhoroondo.
24. Zvino vatungamiri vavaRevhi vaiva Hashabhia, Sherebhia naJeshua mwanakomana waKadhimieri, nehama dzavo aimira akatarisana navo vachipa rumbidzo nokuvonga, uye vachiita madzoro sezvazvakanga zvarayirwa naDhavhidhi munhu waMwari.