Mika 1:9-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

9. Nokuti ronda rake harirapiki; rasvika kuna Judha. Rasvika pasuo ravanhu vangu chaipo, kunyange kuJerusarema chaiko.

10. Musazvireva paGati; musambochema. MuBheti Ofira umburukai muguruva.

11. Pfuurai muende musina kupfeka mukunyara, imi munogara muShafiri. Avo vanogara muZaanani havangabudi kunze. Bheti Ezeri riri mukuchema; kudzivirirwa kwaro kwabviswa kubva kwariri.

12. Avo vanogara muMaroti mukurwadziwa kukuru vakamirira kudzikinurwa, nokuti njodzi yasvika ichibva kuna Jehovha. kunyange pasuo reJerusarema.

Mika 1