Mateo 9:24-34 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

24. akati, “Budai panze. Mwanasikana uyu haana kufa asi avete.” Asi vakamuseka.

25. Mushure mokunge vanhu vazhinji ava vabudiswa panze, akapinda uye akasvikobata mwanasikana uya ruoko achibva amuka.

26. Nhau dzezvakaitika izvi, dzakapararira nedunhu rose.

27. Jesu akati achibvapo, akateverwa navarume vaviri vakanga vari mapofu, vaishevedzera vachiti, “Mwanakomana waDhavhidhi, tinzwireiwo ngoni!”

28. Akati apinda mumba, mapofu aya akauya kwaari, uye Jesu akavabvunza achiti, “Munotenda here kuti ndinogona kukuitirai izvi?” Vakapindura vakati, “Hongu, Ishe.”

29. Ipapo akabata meso avo uye akati, “Maererano nokutenda kwenyu, ngazviitwe kwamuri.”

30. Uye meso avo akabva asvinudzwa. Jesu akavayambira chaizvo achiti, “Musawana wamunoudza pamusoro paizvozvi.”

31. Asi ivo vakaenda vakataura nezvake mudunhu rose iri.

32. Vakati vachibuda, mumwe murume akanga ari mbeveve uye akabatwa nedhimoni akauyiswa kuna Jesu.

33. Dhimoni rakati radzingwa, munhu uya akanga ari mbeveve akataura. Vanhu vazhinji vakashamiswa uye vakati, “Zvakadai hazvisati zvamboonekwa muIsraeri.”

34. Asi vaFarisi vakati, “Anodzinga madhimoni nomukuru wamadhimoni.”

Mateo 9