Mateo 7:5-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

5. Iwe munyengeri, tanga wabvisa puranga riri muziso rako, ipapo unozoona zvakanaka kuti ukwanise kubvisa kabanzu kari muziso rehama yako.

6. “Musapa imbwa zvinhu zvitsvene, uye musakanda maparera enyu kunguruve. Kana mukadaro, dzinogona kuatsikatsika pasi petsoka dzadzo, uye ipapo dzikazokutendeukirai dzokubvamburabvamburai.

7. “Kumbirai mugopiwa, tsvakai mugowana, gogodzai mugozarurirwa.

8. Nokuti munhu wose anokumbira anopiwa, anotsvaka anowana; uye anogogodza anozarurirwa musiwo.

9. “Ndiani pakati penyu angati kana mwanakomana wake akamukumbira chingwa, omupa ibwe?

10. Kana kuti akakumbira hove iye omupa nyoka?

11. Zvino imi, kunyange zvenyu makaipa, muchiziva kupa zvipo zvakanaka kuvana venyu, Baba venyu vari kudenga vachapa zvipo zvakanaka sei kuna avo vanokumbira!

Mateo 7