4. Jesu akapindura akati, “Kwakanyorwa kuchinzi, ‘Munhu haararame nechingwa bedzi, asi neshoko rimwe nerimwe rinobva mumuromo waMwari.’ ”
5. Ipapo dhiabhori akamutora akaenda naye muguta dzvene uye akandomuita kuti amire pachiruvi chetemberi, akati,
6. “Kana uri Mwanakomana waMwari, zviwisire pasi, nokuti kwakanyorwa kuchinzi:“Acharayira vatumwa vake pamusoropako uye vachakusimudza namaokoavo kuti urege kugumburisa rutsoka rwako nebwe.”
7. Jesu akamupindura akati, “Kwakanyorwawo kuchinzi, ‘Usaedza Ishe Mwari wako.’ ”
8. Dhiabhori akamutorazve akaenda naye pamusoro pegomo refu kwazvo uye akamuratidza ushe hwose hwenyika nokubwinya kwahwo,
9. akati, “Zvose izvi ndichakupa kana ukandikotamira uye ukandinamata.”
10. Jesu akati kwaari, “Ibva pandiri Satani! Nokuti kwakanyorwa kuchinzi, ‘Namata Ishe Mwari wako uye umushumire iye oga.’ ”
11. Ipapo dhiabhori akamusiya, uye vatumwa vakauya vakamushandira.
12. Jesu akati anzwa kuti Johani akanga aiswa mutorongo, akadzokera kuGarirea.
13. Achibva kuNazareta, akaenda akandogara kuKapenaume, guta raiva pamahombekombe egungwa mudunhu reZebhuruni neNafutari,
14. kuti azadzise zvakarehwa nomuprofita Isaya achiti:
15. “Nyika yeZebhuruni nenyika yeNafutari,nzira inoenda kugungwa, ichitevedza Jorodhani,Garirea ravaHedheni,
16. vanhu vaigara murima vakaona chiedza chikuru;kune avo vaigara munyika yomumvuri worufu,chiedza chavhenekera.”
17. Kubva panguva iyoyo zvichienda mberi, Jesu akatanga kuparidza achiti, “Tendeukai nokuti umambo hwokudenga hwava pedyo.”
18. Jesu paakanga achifamba pedyo negungwa reGarirea, akaona varume vaviri, Simoni ainzi Petro nomunun'una wake Andirea. Vakanga vachikanda mambure avo mugungwa nokuti vaiva vabati vehove.