4. Petro akati kuna Jesu, “Ishe zvakatinakira kuva pano. Kana muchida ndingavaka matumba matatu, rimwe renyu, rimwe raMozisi nerimwe raEria.”
5. Achiri kutaura kudaro, gore raipenya rakabva ravakwidibira inzwi rikabuda mugore richiti, “Uyu ndiye Mwanakomana wangu wandinodisa, anondifadza. Munzwei!”
6. Vadzidzi vakati vanzwa izvi, vakawira pasi nezviso zvavo vachitya kwazvo.
7. Asi Jesu akauya akavabata. Akati, “Mukai. Musatya.”
8. Pavakasimudza misoro vachitarisa vakazongoona Jesu ava oga.
9. Pavakanga vava kuburuka kubva mugomo, Jesu akavarayira achiti, “Musamboudza ani zvake zvamaona izvi kusvikira Mwanakomana woMunhu amutswa kubva kuvakafa.”
10. Vadzidzi vakamubvunza vakati, “Ko, sei vadzidzisi vemirayiro vachiti Eria anofanira kutanga kuuya?”
11. Jesu akapindura akati, “Ichokwadi kuti Eria achauya agovandudza zvinhu zvose.
12. Asi ndinokuudzai kuti Eria akatouya kare asi havana kumuziva, uye vakaita kwaari zvavaida. Saizvozvo Mwanakomana woMunhu achatambudzwa pamaoko avo.”
13. Ipapo vadzidzi vakanzwisisa kuti aitaura kwavari nezvaJohani Mubhabhatidzi.
14. Vakati vasvika kuvanhu vazhinji, mumwe murume akauya akasvikopfugama pamberi paJesu akati,
15. “Ishe, donzwiraiwo mwanakomana wangu tsitsi. Ane zvipusha uye ari kutambudzika kwazvo. Kazhinji zvino muwisira mumoto kana mumvura.
16. Ndauya naye kuvadzidzi venyu asi havana kugona kumuporesa.”
17. Jesu akapindura akati, “Haiwa, imi rudzi rusingatendi uye rwakatsauka, ndichagara nemi kusvikira rinhiko? Uyai nomukomana uyu kwandiri.”
18. Jesu akatuka dhimoni rikabva rabuda mumukomana uya achibva apora kubva panguva iyoyo.