17. Chenjerai kuti vanhu vachakuisai kumatare uye vagokurovai mumasinagoge avo.
18. “Nokuda kwangu, vachakuendesai pamberi pavabati namadzishe kuti muve zvapupu zvangu kwavari nokuvaHedheni.
19. Asi kana vakusungai, musafunganya pamusoro pokuti muchataurei kana kuti muchataura sei. Panguva iyoyo muchapiwa zvokutaura,
20. nokuti munenge musiri imi munotaura, asi Mweya waBaba venyu uchataura nomamuri.
21. “Mukoma achaurayisa munun'una wake, nababa mwana wavo zvimwe chetezvo, vana vachapandukira vabereki vavo uye vachavaurayisa.
22. Vanhu vose vachakuvengai nokuda kwangu, asi uyo achatsungirira kusvikira kumagumo achaponeswa.
23. Kana mukatambudzwa mune rimwe guta, tizirai kune rimwe. Ndinokuudzai chokwadi kuti hamungapoteredzi maguta ose omuIsraeri Mwanakomana woMunhu asati adzoka.
24. “Mudzidzi haasi mukuru kumudzidzisi wake, kana muranda kuna ishe wake.
25. Zvakakwana kuti mudzidzi ave somudzidzisi wake nomurandawo sashe wake. Zvino kana mukuru weimba akanzi ndiBheerizebhubhi, vachadaro zvikuru sei kune veimba yake!
26. “Naizvozvo musavatya. Hapana chakavanzika chisingazobudiswi pachena kana chakavigwa chisingazozivikanwi.
27. Zvandinokuudzai murima muzvitaure muchiedza; zvinozevezerwa munzeve dzenyu, muzviparidze muri pamusoro pedzimba.
28. Musatya avo vanouraya muviri asi vasingagoni kuuraya mweya. Asi mutye uyo anogona kuparadza zvose muviri nomweya mugehena.
29. Ko, shiri duku mbiri hadzitengeswi nesendi here? Kunyange zvakadaro hapana imwe chete yadzo inowira pasi kunze kwokunge Baba venyu vazvibvumira.
30. Uye kunyange nebvudzi riri mumusoro yenyu rakaverengwa.
31. Naizvozvo musatya nokuti munokosha kupfuura shiri duku zhinji.
32. “Ani naani anondipupura pamberi pavanhu neniwo ndichamupupura pamberi paBaba vangu vari kudenga.
33. Asi ani naani anondiramba pamberi pavanhu, neni ndichamuramba pamberi paBaba vangu vari kudenga.
34. “Musafunga kuti ndakauya kuzouyisa rugare panyika. Handina kuuya kuzouyisa rugare asi munondo.