Mako 9:19-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

19. Jesu akati, “Haiwa rudzi rusingatendi, ndichagara nemi kusvikira riniko? Ndichakuitirai mwoyo murefu kusvikira riniko? Uyai nomukomana kwandiri.”

20. Saka vakauya naye. Mweya wakati uchiona Jesu, pakarepo wakawisira mukomana pasi ukamubvundisa. Akawira pasi akaumburuka, achipupuma furo pamuromo.

21. Jesu akabvunza baba vomukomana akati, “Ane nguva yakadii achiita izvi?”Vakapindura vakati, “Kubva pauduku hwake.

Mako 9