Mako 14:57-68 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

57. Ipapo vamwe vakasimuka vakapa uchapupu hwenhema uhu pamusoro pake vachiti,

58. “Takamunzwa achiti, ‘Ndichaparadza temberi iyi yakavakwa navanhu uye shure kwamazuva matatu ndichavaka imwe, isina kuitwa navanhu.’ ”

59. Kunyange ipapozve uchapupu hwavo hahuna kupindirana.

60. Ipapo muprista mukuru akamira pamberi pavo akabvunza Jesu achiti, “Ko, haupinduri here? Uchapupu hwaunopomerwa navanhu ava ndohweiko?”

61. Asi Jesu akaramba anyerere uye akasapindura.Muprista mukuru akamubvunzazve achiti, “Ndiwe Kristu here, Mwanakomana waIye Akaropafadzwa?”

62. Jesu akati, “Ndini. Uye muchaona Mwanakomana woMunhu agere kuruoko rworudyi rwaIye Wamasimba uye achiuya ari pamakore okudenga.”

63. Muprista mukuru akabvarura nguo dzake, akati, “Tichatsvakireiko zvimwe zvapupu?

64. Manzwa kumhura kwake. Munofungeiko?”Vose vakamutonga vachiti aifanira kufa.

65. Ipapo vamwe vakatanga kumupfira mate; vakamusunga kumeso, vakamurova nezvibhakera, vachiti, “Profita!” Uye varindi vakamutora vakamurova.

66. Petro paakanga achiri muruvazhe, mumwe musikana, murandakadzi womuprista mukuru akasvikapo.

67. Akati aona Petro achidziya moto akamucherechedza.Akati kwaari, “Newewo wakanga una Jesu, weNazareta.”

68. Asi iye akaramba akati, “Handizivi kana kunzwisisa zvaunoreva,” uye akabuda akandomira pamukova wokupinda nawo.

Mako 14