Mako 11:5-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

5. vamwe vanhu vakanga vamirepo vakabvunza vakati, “Muri kuitei, muchisunungura mwana wembongoro uyo?”

6. Vakapindura sezvavakanga vaudzwa naJesu, uye vanhu vakavarega vachienda.

7. Uye vakauya nembongoro iyi kuna Jesu uye vakakanda majasi avo pamusoro payo, iye akagara pairi.

8. Vanhu vazhinji vakawaridza majasi avo mumigwagwa, uye vamwe vachiwaridza matavi avakanga vatema musango.

9. Vakanga vari mberi navaya vaitevera vakadanidzira vachiti:“Hosana!”“Akaropafadzwa uyo anouya muzita raShe!”

10. “Hwakaropafadzwa umambo hunouya, hwababa vedu Dhavhidhi!”“Hosana kumusoro-soro!”

11. Jesu akapinda muJerusarema uye akaenda kutemberi. Akatarisa-tarisa zvinhu zvose, asi sezvo kwakanga kwadoka, akabuda akaenda kuBhetani navane gumi navaviri.

12. Fume mangwana pavakanga vobva kuBhetani, Jesu akanzwa nzara.

Mako 11