Mabasa Avapostori 28:4-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

4. Vanhu vomuchitsuwa ichi pavakaona nyoka yakarembera paruoko rwake, vakataurirana pachavo vakati, “Munhu uyu anofanira kuva mhondi; nokuti kunyange apunyuka hake mugungwa, kururamisira hakuna kumubvumira kuti ararame.”

5. Asi Pauro akazunzira nyoka mumoto uye haana kurwara.

6. Vanhu vakanga vakatarisira kuti achazvimba kana kuwira pasi pakarepo ofa, asi vakati varindira kwenguva refu uye vakasaona chakaitika kwaari, vakashanduka vakati aiva mwari.

7. Pakanga pano munda waiva pedyo ipapo wakanga uri waPabhuriosi, muchinda mukuru wechitsuwa icho. Akatigamuchira kumba kwake akatichengeta zvakanaka kwamazuva matatu.

8. Baba vake vakanga vachirwara vavete pamubhedha, vachirwadziwa nefivha uye vane manyoka aibudisa ropa. Pauro akapinda kuti andovaona, uye shure kwokunyengetera, akaisa maoko ake pamusoro pavo akavaporesa.

Mabasa Avapostori 28