Mabasa Avapostori 28:11-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

11. Mwedzi mitatu yakati yapfuura, takaenda kugungwa tikakwira muchikepe chakanga chapedza mwaka wechando chiri pachitsuwa apa. Chakanga chiri chikepe chokuArekizandiria chakanga chine misoro miviri yavamwari mapatya, ivo Kasitori naPorukisi.

12. Takaenda paSirakuse tikandogarapo kwamazuva matatu.

13. Takabvapo tikakwira chikepe tikandosvika kuRegiamu. Zuva rakatevera, mhepo yaibva zasi yakakwira, uye pazuva rechipiri takazosvika paPuteori.

14. Ipapo takawana hama uye dzikatikoka kuti tipedze vhiki imwe tinavo. Nokudaro takasvika kuRoma.

15. Hama dzaikoko dzakanga dzanzwa kuti takanga tichiuya, naizvozvo vakafamba kusvikira kuMusika weApio napaMahotera Matatu kuti vazosangana nesu. Pauro, paakaona varume ava, akavonga Mwari uye akakurudzirwa.

16. Takati tasvika kuRoma, Pauro akatenderwa kuti agare oga, ane murwi aimuchengeta.

Mabasa Avapostori 28