Mabasa Avapostori 22:25-27 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

25. Pavakamusunga kuti vamurove, Pauro akati kumukuru wezana akanga amirepo, “Munotenderwa here nomutemo kuti murove muRoma, asina kana kutombowanikwa ane mhosva?”

26. Mukuru wezana akati anzwa izvi, akaenda kumukuru wavarwi akandomuzivisa izvozvo, akati, “Muchaita seiko zvino? Munhu uyu muRoma.”

27. Mukuru wavarwi akaenda kuna Pauro akati, “Nditaurire, uri muRoma here iwe?”Akapindura akati, “Hongu, ndiri muRoma.”

Mabasa Avapostori 22