Mabasa Avapostori 22:1-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. “Hama nemi madzibaba, teererai kuzvidavirira kwangu zvino.”

2. Pavakanzwa achitaura kwavari nechiHebheru, vakanyanya kunyarara.Ipapo Pauro akati,

3. “Ini ndiri muJudha, akaberekerwa kuTasasi yeSirisia, asi ndakarerwa muguta rino. Pasi paGamarieri ndakanyatsodzidziswa mutemo wamadzibaba edu uye ndakanga ndichishingairira Mwari sezvamunoita imi nhasi.

4. Ndakatambudza vateveri veNzira iyi kusvikira pakufa kwavo, ndichisunga zvose varume navakadzi ndichivaisa mutorongo,

5. sezvandingapupurirwawo nomuprista mukuru namakurukota ose. Ndakapiwa matsamba aibva kwavari okuenda nawo kuhama dzavo dzaiva muDhamasiko, ndikaenda ikoko kuti ndinouya navanhu ava kuJerusarema savasungwa kuti vazorangwa.

6. “Nenguva dzinenge dzamasikati pandakanga ndoswedera pedyo neDhamasiko, pakarepo chiedza chakabva kudenga chikandipenyera kumativi ose.

7. Ndakawira pasi ndikanzwa inzwi richiti kwandiri, ‘Sauro! Sauro! Unonditambudzireiko?’

8. “Ndakati, ‘Ndimi aniko, Ishe?’“Iye akati, ‘Ndini Jesu weNazareta, wauri kutambudza.’

9. Shamwari dzangu dzakaona chiedza, asi hadzina kunzwa inzwi raiye akanga achitaura neni.

Mabasa Avapostori 22