3. Naizvozvo mambo weJeriko akatumira shoko kuna Rahabhi achiti, “Budisa varume vauya kwauri vakapinda mumba mako, nokuti vauya kuzoshora nyika yose.”
4. Asi mukadzi uyu akanga atora varume vaviri vaya akavavanza. Iye ndokuti, “Ichokwadi, varume ava, vakauya kwandiri, asi handina kuziva kuti vakanga vabvepi.
5. Zvino kwati zvarara yava nguva yokupfiga suo reguta, varume ava vakaenda. Handizivi kuti vakaenda vakanangepi. Vateverei nokukurumidza, pamwe mungangovabata.”
6. (Asi iye akanga avatora ndokuvaisa pamusoro pemba ndokuvavanza netutanda twamasosoori twaakanga akaunganidza pamusoro pemba.)
7. Naizvozvo varume vakasimuka votevera vashori nenzira yainanga kumazambuko eJorodhani, zvino vaitevera vachangobuda, suo rakabva rapfigwa.
8. Vashori vasati varara, iye akakwira padenga remba,