Jona 3:1-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Ipapo shoko raJehovha rakasvika kuna Jona kechipiri richiti,

2. “Enda kuguta reNinevhe undoriparidzira shoko randinokupa.”

3. Jona akateerera shoko raJehovha akaenda kuNinevhe. Zvino Ninevhe raiva guta guru kwazvo, rwendo rwamazuva matatu.

4. Pazuva rokutanga Jona akapinda muguta. Akaparidza achiti, “Kwasara mazuva makumi mana, mushure maizvozvo Ninevhe richaparadzwa.”

5. Vanhu veNinevhe vakatenda kuna Mwari. Vakatara nguva yokutsanya, uye vose zvavo, kubva kumukuru mukuru kusvikira kumuduku duku vakapfeka masaga.

6. Nhau idzi padzakasvika kuna mambo weNinevhe, akasimuka kubva pachigaro chake, akabvisa nguo dzake dzoumambo, akazvifukidza namasaga akagara mumadota.

7. Ipapo akazivisa chirevo muNinevhe, achiti, “Chirevo chamambo namachinda ake: Musarega munhu kana mhuka, chipfuwo kana gwai, zvichiravira chinhu; musazvirega zvichidya kana kunwa.

Jona 3