18. Ini ndini ndinozvipupurira pachangu; mumwe anondipupurira ndiBaba, vakandituma.”
19. Ipapo vakamubvunza vakati, “Baba vako varipiko?”Jesu akapindura akati, “Hamundizivi ini kana Baba vangu. Dai maindiziva mungadai maizivawo Baba vangu.”
20. Akataura mashoko aya paakanga achidzidzisa ari mutemberi pedyo nenzvimbo yaiiswa zvipo. Asi hapana munhu akamubata, nokuti nguva yake yakanga isati yasvika.
21. Jesu akatizve kwavari, “Ndiri kuenda, uye imi muchanditsvaka, uye muchafira muzvivi zvenyu. Kwandinoenda, imi hamungauyiko.”
22. Izvi zvakaita kuti vaJudha vabvunzane vachiti, “Achazviuuraya here? Ndizvo zvaanoreva here zvaanoti, ‘Kwandinoenda, imi hamungauyiko?’ ”
23. Asi akaenderera mberi achiti, “Imi muri vapasi; ini ndinobva kumusoro. Muri venyika ino; ini handizi wenyika ino.
24. Ndakuudzai kuti muchafira muzvivi zvenyu; kana musingatendi kuti ndini iye, zvirokwazvo muchafira muzvivi zvenyu.”
25. Vakati kwaari, “Ndiwe aniko?”Jesu akapindura akati, “Izvozvo zvandanguri ndataura kare kuti ndini iye.
26. Ndine zvizhinji zvandinoda kutonga pamusoro penyu. Asi uyo akandituma akavimbika, uye zvandakanzwa kwaari ndizvo zvandinoudza nyika.”
27. Havana kunzwisisa kuti akanga achivaudza nezvaBaba.
28. Saka Jesu akati kwavari, “Pamuchasimudza Mwanakomana woMunhu, ipapo ndipo pamuchaziva kuti ndini iye, uye kuti handina chinhu chandinoita ndoga asi ndinotaura zvandakadzidziswa naBaba zvoga.
29. Uyo akandituma aneni; haana kundisiya ndiri ndoga, nokuti ndinogara ndichiita zvinomufadza.”
30. Kunyange panguva yaakanga achitaura, vazhinji vakatenda kwaari.
31. Jesu akati kuvaJudha vakanga vatenda kwaari, “Kana muchiramba muri mudzidziso yangu, muri vadzidzi vangu zvirokwazvo.
32. Ipapo muchaziva zvokwadi, uye zvokwadi ichakusunungurai.”
33. Ivo vakamupindura vachiti, “Isu tiri zvizvarwa zvaAbhurahama uye hatina kumbova varanda vomumwe munhu. Ungareva sei kuti tichasunungurwa?”
34. Jesu akapindura akati, “Ndinokuudzai chokwadi kuti, mumwe nomumwe anoita zvivi ndiye muranda wechivi.