Johani 13:6-23 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

6. Akasvika pana Simoni Petro, iye akati kwaari, “Ishe muri kuda kushambidza tsoka dzangu here?”

7. Jesu akapindura achiti, “Iwe hausi kuziva zvandiri kuita iye zvino, asi uchazvinzwisisa pashure.”

8. Simoni Petro akati, “Kwete, imi hamungatongoshambidzi tsoka dzangu.”Jesu akapindura akati, “Kana ndikasakushambidza, hauna mugove neni.”

9. Ipapo Simoni Petro akati, “Ishe, ngadzirege kuva tsoka dzangu bedzi asi maoko angu nomusoro wanguwo!”

10. Jesu akapindura akati, “Munhu anenge amboshamba muviri wose, anongoda bedzi kushamba tsoka dzake, muviri wake wose wakachena. Imi makachena, kunyange zvazvo musiri mose vakachena.”

11. Nokuti aiziva kuti ndiani aizomupandukira, ndokusaka akati, havasi vose vakanga vakachena.

12. Akati apedza kushambidza tsoka dzavo, akapfeka nguo dzake akadzokera panzvimbo yake. Akavabvunza akati, “Munonzwisisa here zvandaita kwamuri?

13. Munondidaidza kuti ‘Mudzidzisi’ uye ndizvozvo chaizvo, nokuti ndizvo zvandiri.

14. Zvino kana ini, Ishe wenyu noMudzidzisi wenyu, ndashambidza tsoka dzenyu, nemiwo munofanira kushambidzana tsoka dzenyu.

15. Ndakupai muenzaniso kuti muite sezvandakuitirai imi.

16. Ndinokuudzai chokwadi kuti, muranda haasi mukuru kuna tenzi wake, uye atumwa haasi mukuru kupfuura amutuma.

17. Zvino zvamava kuziva zvinhu izvi, mucharopafadzwa kana mukazviita.

18. “Handirevi kwamuri mose; ini ndinoziva avo vandakasarudza. Asi uku ndiko kuzadzisa Rugwaro runoti, ‘Uyo anogovana neni chingwa andisimudzira chitsitsinho chake kuzorwa neni.’

19. “Ndiri kukuudzai iye zvino zvisati zvaitika, kuitira kuti pazvinoitika mugozotenda kuti ndini Iye.

20. Ndinokuudzai chokwadi kuti, ani naani anogamuchira ini anogamuchira iye akandituma.”

21. Shure kwokutaura izvozvo, Jesu akatambudzika mumweya uye akapupura achiti, “Ndinokuudzai chokwadi, mumwe wenyu achandipandukira.”

22. Vadzidzi vake vakatarisana vachida kuziva kuti ndiani airehwa pakati pavo.

23. Mumwe wavo, mudzidzi aidikanwa naJesu, akanga akasendamira paari.

Johani 13