Johani 13:13-31 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

13. Munondidaidza kuti ‘Mudzidzisi’ uye ndizvozvo chaizvo, nokuti ndizvo zvandiri.

14. Zvino kana ini, Ishe wenyu noMudzidzisi wenyu, ndashambidza tsoka dzenyu, nemiwo munofanira kushambidzana tsoka dzenyu.

15. Ndakupai muenzaniso kuti muite sezvandakuitirai imi.

16. Ndinokuudzai chokwadi kuti, muranda haasi mukuru kuna tenzi wake, uye atumwa haasi mukuru kupfuura amutuma.

17. Zvino zvamava kuziva zvinhu izvi, mucharopafadzwa kana mukazviita.

18. “Handirevi kwamuri mose; ini ndinoziva avo vandakasarudza. Asi uku ndiko kuzadzisa Rugwaro runoti, ‘Uyo anogovana neni chingwa andisimudzira chitsitsinho chake kuzorwa neni.’

19. “Ndiri kukuudzai iye zvino zvisati zvaitika, kuitira kuti pazvinoitika mugozotenda kuti ndini Iye.

20. Ndinokuudzai chokwadi kuti, ani naani anogamuchira ini anogamuchira iye akandituma.”

21. Shure kwokutaura izvozvo, Jesu akatambudzika mumweya uye akapupura achiti, “Ndinokuudzai chokwadi, mumwe wenyu achandipandukira.”

22. Vadzidzi vake vakatarisana vachida kuziva kuti ndiani airehwa pakati pavo.

23. Mumwe wavo, mudzidzi aidikanwa naJesu, akanga akasendamira paari.

24. Simoni Petro akaninira kumudzidzi uyu akati, “Vabvunzei kuti vanoreva ani.”

25. Akasendamirazve pana Jesu, akamubvunza akati, “Ishe, ndianiko?”

26. Jesu akati, “Ndiye wandichapa chimedu chechingwa kana ndachiseva mundiro.” Ipapo, akaseva chimedu chechingwa, akachipa kuna Judhasi Iskarioti, mwanakomana waSimoni.

27. Judhasi achangodya chingwa ichi, Satani akabva apinda maari. Jesu akati kuna Judhasi,“Zvaunoda kuita, ita nokukurumidza,”

28. asi hapana munhu akanga ari pakudya akanzwisisa kuti sei Jesu akanga ataura izvozvo kwaari.

29. Sezvo Judhasi aiva mubati wemari, vamwe vakafunga kuti Jesu aimuudza kuti andotenga zvimwe zvaidikanwa pamutambo, kana kupa varombo chimwe chinhu.

30. Judhasi akati achangodya chingwa, akabuda panze uye hwaiva usiku.

31. Akati aenda, Jesu akati, “Zvino Mwanakomana woMunhu akudzwa uye Mwari akudzwa maari.

Johani 13