Johani 11:31-39 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

31. VaJudha vakanga vari mumba naMaria, vachimunyaradza, vakati vachiona kuti akurumidza sei kusimuka achibuda kunze, vakamutevera, vachifunga kuti zvimwe akanga oenda kuguva kuti andochema ikoko.

32. Maria akati asvika panzvimbo pakanga pana Jesu uye akamuona, akawira patsoka dzake akati, “Ishe, dai manga muri pano, hanzvadzi yangu ingadai isina kufa.”

33. Jesu akati achimuona achichema, uye vaJudha vakanga vauya naye vachichemawo, akabatwa neshungu kwazvo mumweya make uye akatambudzika.

34. Akavabvunza akati, “Mamuradzika kupiko?”Vakati kwaari, “Uyai muone, Ishe.”

35. Jesu akachema.

36. Ipapo vaJudha vakati, “Onai kuti aimuda sei!”

37. Asi vamwe vavo vakati, “Ko, uyu akasvinudza bofu akanga asingagoni here kudzivisa munhu uyu kuti arege kufa?”

38. Jesu, akabatwa neshungu kwazvo, akasvika paguva. Rakanga riri bako rine dombo rakanga rakaradzikwa rakachinjika mukova waro.

39. Akati, “Bvisai ibwe.”Marita, hanzvadzi yomurume akanga afa akati, “Asika, Ishe, pari zvino ava kunhuwa, nokuti atova mazuva mana arimo.”

Johani 11