16. Ndichavaparadzira pakati pendudzi dzavasina kumboziva uye dzisina kumbozivikanwa namadzibaba avo, uye ndichavatevera nomunondo kusvikira ndavaparadza.”
17. Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, “Rangarirai zvino! Danai vakadzi vanochema vauye; danai vanogonesesa pakati pavo.
18. Ngavakurumidze kuuya vagochema pamusoro pedu kusvikira maziso edu ayerera misodzi, nzizi dzoyerera mumaziso edu.
19. Maungira okuchema anonzwika kubva Zioni achiti: ‘Haiwa taparadzwa sei! Haiwa kunyadziswa kwedu kukuru sei! Tinofanira kusiya nyika yedu nokuti dzimba dzedu ava matongo.’ ”
20. Zvino, imi vakadzi, inzwai shoko raJehovha; dziurirai nzeve dzenyu kumashoko omuromo wake. dzidzisai vanasikana venyu kuungudza; dzidzisanai kuchema.
21. Rufu rwakawira napamawindo edu uye rwapinda munhare dzedu; rwauraya vana mumigwagwa namajaya ari munzira dzeguta.
22. Uti, “Zvanzi naJehovha, ‘Zvitunha zvavanhu zvichavata somupfudze uri pamusoro pomunda, sezviyo zvakachekwa shure kwavacheki, zvisina achazviunganidza.’ ”