Jeremia 48:29-33 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

29. “Takanzwa nezvokuzvikudza kweMoabhu, manyawi nokudada kwavo kukuru uye kuzvikudza kwakanyanya, kuzvikudza kwavo nokuzvitutumadza namanyawi emwoyo wayo.

30. Ndinoziva kusindimara kwayo asi hakuna maturo,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “uye kuzvikudza kwake kuzhinji hakuna zvakunoreva.

31. Naizvozvo ndinoungudza pamusoro peMoabhu, nokuda kweMoabhu yose ndinodanidzira, ndinochema varume veKiri Hareseti.

32. Ndinokuchema sokuchema kunoita Jazeri, haiwa imi mazambiringa eGibhima. Matavi enyu akatandavara kundosvika kugungwa; akandosvika kugungwa reJazeri. Muparadzi awira pamichero yako yaibva namazambiringa.

33. Mufaro nokufarisisa zvaenda, zvabva muminda yemichero nomuminda yeMoabhu. Ndagumisa kuyerera kwewaini inobva pazvisviniro; hakuna achazvitsika achidanidzira nomufaro. Kunyange pano kudanidzira, hakusi kudanidzira kwomufaro.

Jeremia 48