11. “Kwira kuGireadhi undotora bharimu, iwe Mwanasikana weIjipiti. Asi unongowanza mishonga pasina; kuporeswa kwako hapana.
12. Ndudzi dzichanzwa nezvokunyadziswa kwako; kuchema kwako kuchazadza nyika. Mhare ichabondera pane imwe mhare; vachawira pasi pamwe chete.”
13. Iri ndiro shoko rakataurwa naJehovha kuna Jeremia muprofita, pamusoro pokuuya kwaNebhukadhinezari mambo weBhabhironi kuzorwa neIjipiti achiti,
14. “Zivisai izvi muIjipiti, mugozviparidza paMigidhori; zviparidzeiwo paMemufisi neTapanesi muchiti, ‘Torai nzvimbo yenyu uye muzvigadzirire, nokuti munondo unodya vakakupoteredzai.’
15. Ko, mhare dzenyu dzingadzikisirwei? Havangagoni kumira, nokuti Jehovha achavadzikisa pasi.
16. Vacharamba vachingogumburwa; vachawirana pamusoro pomumwe nomumwe wavo. Vachati, ‘Simukai, ngatidzokerei kuvanhu vokwedu nokunyika yedu, kure nomunondo womumanikidzi wedu.’
17. Ikoko vachadanidzira vachiti, ‘Faro mambo weIjipiti anongova ruzha chete; akatadza kushandisa mukana wake.’
18. “Zvirokwazvo noupenyu hwangu,” ndizvo zvinotaura Mambo, ane zita rinonzi Jehovha Wamasimba Ose, “pano mumwe achauya akaita seTabhori pakati pamakomo, seKarimeri pagungwa.
19. Rongedzai zvinhu zvenyu, nokuti muchaenda kuutapwa, imi munogara muIjipiti, nokuti Memufisi ichaitwa dongo, uye ichava dongo risina anogaramo.
20. “Ijipiti itsiru rakaisvonaka, asi vuvo riri kuuya kuzorwisa richibva kumusoro.
21. Varwi vanorwa kuti vapuwe mari chete vari mairi, vakaita semhuru dzakakodzwa. Naivowo vachadzoka uye vachatiza pamwe chete, havangamiri, nokuti zuva renjodzi riri kuuya pamusoro pavo, iyo nguva yokurangwa kwavo.
22. Ijipiti ichashinyira senyoka inotiza pakuuya nechisimba kwomuvengi; vachauya kuzorwa nayo namasanhu, savarume vanotema miti.
23. Vachatemera masango aro pasi,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “kunyange risingapinduki zvaro. Vakawanda kupfuura mhashu, havaverengeki.
24. Mwanasikana weIjipiti achanyadziswa, achaiswa mumaoko avanhu vokumusoro.”