Jeremia 45:2-5 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

2. “Zvanzi naJehovha, Mwari waIsraeri, kunewe Bharuki:

3. Iwe wakati, ‘Ndine nhamo! Jehovha apamhidzira kusuwa pakurwadziwa kwangu; ndaneta nokugomera uye ndashayiwa zororo.’ ”

4. Jehovha akati, “Uti kwaari, ‘Zvanzi naJehovha: Ndichakoromora zvandakavaka nokudzura zvandakasima, panyika yose.

5. Iwe ungazvitsvakira zvinhu zvikuru here? Usazvitsvaka. Nokuti ndichauyisa njodzi pamusoro pavanhu vose, ndizvo zvinotaura Jehovha, asi ndichaita kuti utize noupenyu hwako kwose kwaunoenda.’ ”

Jeremia 45