Jeremia 42:5-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

5. Ipapo vakati kuna Jeremia, “Jehovha ngaave chapupu chezvokwadi uye chakatendeka pamusoro pedu kana tisingaiti zvose zvamunenge matumwa kuzotiudza naJehovha.

6. Kana zvakanaka, kana zvisina kunaka tichateerera Jehovha Mwari wedu, watinokutumai kwaari kuti zvigotiitira zvakanaka, nokuti tichateerera Jehovha Mwari wedu.”

7. Mazuva gumi akati apera, shoko raJehovha rakasvika kuna Jeremia.

8. Naizvozvo akaunganidza Johanani mwanakomana waKarea navakuru vose vehondo vaaiva navo navanhu vose kubva kuvaduku kusvikira kuvakuru.

9. Akati kwavari, “Zvanzi naJehovha, Mwari waIsraeri, iye wamakanditumira kwaari kuti ndisvitse chikumbiro chenyu,

10. ‘Kana mukagara munyika ino, ndichakuvakai handizokukoromorei; ndichakusimai uye handingakudzurei, nokuti ndinorwadziwa nokuda kwenjodzi yandakaisa pamusoro penyu.

Jeremia 42