Jeremia 42:11-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

11. Musatya mambo weBhabhironi, iye wamunotya zvino. Musamutya, ndizvo zvinotaura Jehovha, nokuti ndinemi uye ndichakuponesai nokukuponesai kubva mumaoko ake.

12. Ndichakunzwirai tsitsi kuitira kuti agokunzwirai tsitsi, agokudzoserai kunyika yenyu.’

13. “Kunyange zvakadaro, kana mukati, ‘Hatidi kugara munyika ino,’ nokudaro musingateerere Jehovha Mwari wenyu,

14. uye kana mukati, ‘Kwete tichaenda kundogara kuIjipiti, kwatisingazooni hondo kana kunzwa hwamanda kana kunzwa nzara yechingwa,’

15. zvino chinzwai shoko raJehovha imi vakasara vaJudha. Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri, ‘Kana mashinga kuenda kuIjipiti kana mukaenda kundogarako,

16. ipapo munondo wamunotya uchakukundai ikoko uye nenzara yamunotya ichakuteverai kuIjipiti, uye muchafira ikoko.

17. Zvirokwazvo, vose vashinga kuenda kuIjipiti kundogarako vachafa nomunondo, nenzara uye nedenda; hakuna achasara pakati pavo kana kupukunyuka njodzi yandichauyisa pamusoro pavo.’

Jeremia 42