1. Uku ndiko kutorwa kwakaitwa Jerusarema: Mugore rechipfumbamwe ramambo Zedhekia mambo weJudha, nomwedzi wegumi, Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi akauya kuzorwisa Jerusarema nehondo yake yose ndokurikomba.
2. Zvino negore regumi nerimwe raZedhekia, pazuva repfumbamwe romwedzi wechina, masvingo eguta akakoromorwa.
3. Ipapo machinda ose amambo weBhabhironi akauya ndokugara paSuo Rapakati, vaiti: NerigariSharezeri weSamugari naNebho-Saresekimi mukuru wavaranda vamambo weBhabhironi, naNerigari-Sharezeri mukuru aiva nechinzvimbo chapamusoro, namamwe machinda ose amambo weBhabhironi.
4. Zedhekia mambo weJudha navarwi vose vakati vavaona, vakatiza; vakabuda muguta usiku vakaenda nenzira yokubindu ramambo, napasuo raiva pakati pamasvingo maviri, ndokunanga kuArabha.
5. Asi hondo yavaBhabhironi yakavadzinganisa ndokubatira Zedhekia mumapani eJeriko. Vakamubata ndokumuendesa kuna Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi paRibhira munyika yaHamati kwaakamupa mutongo wake.
6. Ipapo paRibhira Mambo weBhabhironi akauraya vanakomana vaZedhekia pamberi pake uye akaurayawo makurukota ose eJudha.
7. Ipapo akatumbura meso aZedhekia ndokumusunga nengetani kuti aende naye kuBhabhironi.
8. VaBhabhironi vakapisa muzinda wamambo nedzimba dzavanhu vakakoromora masvingo eJerusarema.
9. Nebhukadhinezari mukuru wehondo yavarindi akaendesa kuBhabhironi vanhu vakanga vasara muguta pamwe chete navaya vakanga vazvipira kwaari uye noruzhinji rwavanhu.
10. Asi Nebhukadhinezari mukuru wavarindi akasiya munyika yeJudha vamwe varombo vakanga vasina chinhu; uye panguva iyoyo akavapa minda yemizambiringa nemimwe minda.
11. Zvino Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi akanga arayira izvi pamusoro paJeremia kubudikidza naNebhuzaradhani mukuru wavarindi, achiti,