Isaya 8:12-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

12. “Musati irangano zvinhu zvose zvinonzi navanhu ava irangano; musatya zvavanotya, musazvivhunduka.

13. Jehovha Wamasimba Ose ndiye wamunofanira kuita mutsvene, ndiye wamunofanira kuvhunduka,

14. ndiye achava nzvimbo tsvene; asi padzimba dzose dzaIsraeri achava dombo rinoita kuti vanhu vagumburwe; nedombo rinoita kuti vapunzike. Uye kuvanhu veJerusarema iye achava musungo norugombe.

15. Vazhinji vavo vachagumburwa; vachawa vagovhunika, vachateyiwa vagobatwa.”

16. Sungai chipupuriro mugosimbisa murayiro pakati pavadzidzi vangu.

17. Ndichamirira Jehovha, iye ari kuvanzira imba yaJakobho chiso chake. Ndichaisa ruvimbo rwangu maari.

Isaya 8