4. Vachavakazve matongo akare uye vachamutsazve nzvimbo dzakaparadzwa kare; vachavandudza matongo amaguta akaparadzwa kwamarudzi namarudzi akapfuura.
5. Vatorwa vachafudza mapoka amakwai enyu; vatorwa vachashanda muminda yenyu nomuminda yenyu yemizambiringa.
6. Ipapo imi muchanzi vaprista vaJehovha, muchanzi vashumiri vaMwari. Muchadya pfuma yendudzi, uye muchazvirumbidza nepfuma yavo.
7. Pachinzvimbo chokunyadziswa kwavo vanhu vangu vachagamuchira migove miviri, uye pachinzvimbo chokunyadziswa vachafara munhaka yavo; nokudaro vachagara nhaka yemigove miviri munyika yavo, uye mufaro usingaperi uchava wavo.
8. “Nokuti ini, Jehovha, ndinoda kururamisira; ndinovenga kupamba nezvakaipa. Mukutendeka kwangu, ndichavapa mubayiro uye ndichaita sungano isingaperi navo.
9. Zvizvarwa zvavo zvichazivikanwa pakati pendudzi navana vavo pakati pamarudzi. Vose vanovaona vachaziva kuti vanhu vakaropafadzwa naJehovha.”