Isaya 54:2-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

2. Wedzera nzvimbo yetende rako, tambanudza micheka yetende rako ifare, usarega kuita izvozvo; rebesa tambo dzako, simbisa mbambo dzako.

3. Nokuti uchapararira kurudyi nokuruboshwe; vana vako vachatorera mamwe marudzi uye vachagara mumatongo amaguta avo.

4. “Usatya hako: haunganyadziswi. Usatya kunyadziswa; haunganinipiswi. Uchakanganwa nyadzi dzapaudiki hwako, uye hauzorangaririzve kunyadzisa kwouchirikadzi hwako.

5. Nokuti Muiti wako ndiye murume wako, Jehovha Wamasimba Ose ndiro zita rake, Mutsvene waIsraeri ndiye Mudzikinuri wako; anonzi Mwari wenyika yose.

6. Jehovha achakudanazve sokunge wanga uri mukadzi akasiyiwa, uye anotambudzika pamweya, mukadzi akawanikwa achiri mudiki, pedzezvo ndokurambwa,” ndizvo zvinotaura Mwari wako.

7. “Kwechinguvana ndakakusiya, asi netsitsi huru ndikakudzosazve.

8. Ndichisundwa nehasha ndakavanza chiso changu kwauri kwechinguva, asi nounyoro husingaperi ndichava netsitsi, pamusoro pako,” ndizvo zvinotaura Jehovha Mudzikinuri wako.

Isaya 54