Isaya 54:1-3 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. “Imba, iwe mukadzi asina mwana, pururudza uimbe rwiyo, pembera nomufaro, iwe usina kumborwadziwa; nokuti vana vomukadzi akasiyiwa ari oga vazhinji kupfuura veane murume,”ndizvo zvinotaura Jehovha.

2. Wedzera nzvimbo yetende rako, tambanudza micheka yetende rako ifare, usarega kuita izvozvo; rebesa tambo dzako, simbisa mbambo dzako.

3. Nokuti uchapararira kurudyi nokuruboshwe; vana vako vachatorera mamwe marudzi uye vachagara mumatongo amaguta avo.

Isaya 54