Isaya 48:20-22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

20. Ibvai muBhabhironi, tizai vaBhabhironi! Zivisai izvi nomufaro mukuru, uye muzviparidze. Zvitumirei kumagumo enyika; muti, “Jehovha adzikinura muranda wake Jakobho.”

21. Havana kunzwa nyota paakavatungamirira mugwenga; akaita kuti mvura iyerere ichibva mudombo, achiitira ivo; akatsemura dombo mvura ikatubuka.

22. “Vakaipa havana rugare,” ndizvo zvinotaura Jehovha.

Isaya 48