Isaya 48:2-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

2. imi munozviti vagari vomuguta dzvene, muchivimba naMwari weIsraeri; Jehovha Wamasimba Ose ndiro zita rake:

3. Ndakazivisa zvinhu zvakare, kare kare, muromo wangu wakazvireva uye ndakaita kuti zvizivikanwe; ipapo nokukurumidza ndakazviita, uye zvikaitika.

4. Nokuti ndaiziva kuti mwoyo wako mukukutu; nokuti mutsipa wako runda rwesimbi, huma yako yakanga iri yendarira.

5. Naizvozvo ndakakuudza zvinhu izvi kare kare; zvisati zvaitika ndakazvizivisa kwauri, kuitira kuti urege kuzoti, ‘Zvifananidzo zvangu, ndizvo zvakazviita; mufananidzo wangu wedanda namwari wangu wesimbi ndizvo zvakarayira izvozvo.’

6. Wakazvinzwa zvinhu izvi; zvitarire zvose. Haungazvibvumi here?“Kubva zvino ndichakuzivisa zvinhu zvitsva, zvakavanzika zvausingazivi.

7. Zvava kusikwa zvino, uye hakusi kare; hauna kumbozvinzwa zuva ranhasi risati rasvika. Saka haugoni kuti, ‘Hongu, ndaizviziva.’

Isaya 48